shona

Zviva Kushandisa Photoshop

Photoshop ndiyoimwe yeforoma huru inoshandiswa nenyanzvi panyaya dzekushandura mifanadzo,kungave kubatanidza mifananidzo,kupatsanura,kushandura madziro emifananidzo,kupfekera zvinyorwa pamufananidzo ,kushandura ruvara rwemifanidzo zvese izvi unozviwana muforoma ye fotoshop .Tora nguva yekuti udzidze foroma iyi nerurimi rwaama

DZIDZA KUSHANDISA CANVA

Shandisa Canva kuumba ma pepa zvinyorwa emhando dzakasiyanasiya ,shandura mifananidzo kana kuvaka zvionekwa.Sarudza miedzaniso unoenderana nezvaunoda kuvaka kubva kuzviuru zvemienzaniso inouya yaka pakatwa ne foroma yeCanva. Ungave uchida kugadzira mepazvinyorwa rekukoka hama neshamwari kumichato,kumitambo ,mabiko,madhindindhi,chese chinoda kutumirwa kana kuturikwa pahunyevenyeve nezvimwe zvakawanda zvinowanikwa paforoma ye Canva.Pfimbika hurongwa wemapepazvinyorwa ako mumhando dzakasiyanasiya,pfekera mavara anotambatamba nekushanduka.Dzidza kupfekera mwenza ne mbidyo mubepachinyorwa chako dzinobudira padandemutande.Zvese izvi nezvimwe unozviwana muforoma ye Canva.

Dzidza kushandisa foroma yeFL Studio kugadzira mumhanzi

Kahunyore kemavakirwo ne maonerwo akaita foroma ye FL Studio indigo anoipa mukurumbira Mujuru pane vanogadzira mumhanzi.. Pindai muchidzidzo ichi tikuradzidzeyi mashandiro ne mashandisirwo emapazi akavaka foroma ye FL Studio.Dzidzayi kuvaka rwumbo kubva kubapeto kusvika kweku pedzisira nenyanzvi dzepa boka reFundayi . Shandisa ruzivo rwemakombiyuta kudzidza kugadzira mumhanzi Tokusesekedzayi mukudzidza kushandisa Fl Sstudio Tokupayi humboo wakadzama kuti muzive kushanda kwe foroma inogadzra mumhanzi(F.I.M) Tinoshandisa zviridwa nezvipfumba zvinouya ne FL Studio Sei Chidzidzo Chino? Tokudzidzisayi chidimbu nenchidimbu mashandiro eFL Studio. Musimboti wakadzama mukugadzirwa kwemimhanzi nema kombiyuta Musimboti we ngano dzemavakiro emumhamhanzi ne mutauro watinoshandisa pa kugadzira mumhamhanzi ne ma na kombiyuta . Mafaira emiyenzaniso arimo mukati mechidzidzo chechedu Shandisayi kero diki yedu ye info@fundayi.co.za kutitumira mibvunzo yenye yatichapindura muchikamu chidikisa Pindayi muboka redu nhasi titange rwendo rwedu tese rwe kudzidza kugadzira mumhanzi