
DZIDZA KUSHANDISA CANVA
Shandisa Canva kuumba ma pepa zvinyorwa emhando dzakasiyanasiya ,shandura mifananidzo kana kuvaka zvionekwa.Sarudza miedzaniso unoenderana nezvaunoda kuvaka kubva kuzviuru zvemienzaniso inouya yaka pakatwa ne foroma yeCanva. Ungave uchida kugadzira mepazvinyorwa rekukoka hama neshamwari kumichato,kumitambo ,mabiko,madhindindhi,chese chinoda kutumirwa kana kuturikwa pahunyevenyeve nezvimwe zvakawanda zvinowanikwa paforoma ye Canva.Pfimbika hurongwa wemapepazvinyorwa ako mumhando dzakasiyanasiya,pfekera mavara anotambatamba nekushanduka.Dzidza kupfekera mwenza ne mbidyo mubepachinyorwa chako dzinobudira padandemutande.Zvese izvi nezvimwe unozviwana muforoma ye Canva.